Matthew 5:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Imi muri munyu wenyika; asi kana munyu waɗuruŋgunda, ucaruŋgwa neiko? Haucaɓatsiri cinhu, asi kurashirwa kunze, utsikwe naʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Imi muri munyu wenyika. Asi kana munyu usisavavi ungavaviswe nei? Hauchabatsiri chinhu, kunze kwokuti uraswe ugotsikwa zvawo navanhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Imi muri munyu wapasi. Zvino kana munyu usisavavi unozovaviswa nei? Unenge usisina basa unofanira kutongoraswa zvawo uchitsikwa zvawo navanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Imi muri munyu wenyika; asi kana munyu washapa, ucharungwa neiko? Hauchabatsiri chinhu, asi kurasirwa kunze, utsikwe navanhu.
Shona 2009?
Imwi muri munyu wenyika, asi kana munyu usingachavavi, ucharungwa neiko? Hauchabatsiri chinhu, asi kurashirwa kunze, utsikwe navanhu.
Shona SUB 2002 Bible
“Imi muri munyu wenyika; asi kana munyu washapa, ucharungwa neiko? Hauchabatsiri chinhu, asi kurasirwa kunze, utsikwe navanhu.