Matthew 5:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, kuȿikira ɗeŋga napasi ɀicipfuʋura, yota imŋe kana tsaŋga imŋe yomurairo haɀiŋgatoŋgopfuʋuri, ɀisati ɀaitika ɀose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinokuudzai chokwadi, kuti kusvikira denga nenyika zvapfuura, hakuna vara duku sei kana chimwe chinhu chiduku sei chichabviswa paMurayiro, kusvikira zvose zvazadziswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti ndinokutaurirai zvechokwadi chaizvo kuti denga napasi zvingapfuure zvazvo asi hapana kana kabhii kana kaga zvako komutemo kachabviswa mumutemo kusvikira zvose zvaitika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kusvikira denga napasi zvichipfuura, yota imwe kana tsanga imwe yomurayiro hazvingatongopfuuri, zvisati zvaitika zvose.
Shona 2009?
Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kusvikira denga nenyika zvichipfuvura, vara duku rimwe kana chidodzi chimwe chomurairo hazvingatongopfuvuri, kusvikira zvose zvaitika.
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kusvikira denga napasi zvichipfuura, yota imwe kana tsanga imwe yoMurairo hazvingatongopfuuri, zvisati zvaitika zvose.