Matthew 5:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo aninani unoputsa mumŋe wemirairo miɗuku iyi, akadzidzisa ʋanhu kuita saiɀoɀo, ucanzi muɗuku muʋushe bgokuɗeŋga; asi unoiita, akaidzidzisa, ucanzi mukuru muʋushe bgokuɗeŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ani naani anotyora mumwe chete wemirayiro miduku iyi uye achizodzidzisawo vamwe kuita zvimwe chetezvo achanzi muduku muumambo hwokudenga. Asi ani naani anochengeta uye anodzidzisa mirayiro iyi, achanzi mukuru muumambo hwokudenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nezvo ani naani anotyora mumwe wemitemo iyi achidzidzisa vanhu kudaro achanzi mudiki muumambo hwedenga. Asi uyo anoichengeta achiidzidzisa achanzi mukuru muumambo hwedenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo ani naani anotyora mumwe wemirairo miduku iyi, akadzidzisa vanhu kuita saizvozvo, achanzi muduku muushe hwedenga; asi anoiita, akaidzidzisa, achanzi mukuru muushe hwedenga.
Shona 2009?
Naizvozvo ani nani unodarika mumwe wemirairo miduku iyi, akadzidzisa vanhu saizvozvo, uchanzi muduku muushe hwokudenga. Asi ani nani unoiita, akaidzidzisa saizvozvo uchanzi mukuru muushe hwokudenga;
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo ani naani anotyora mumwe wemirairo miduku iyi, akadzidzisa vanhu kuita saizvozvo, achanzi muduku muushe hwedenga; asi anoiita, akaidzidzisa, achanzi mukuru muushe hwedenga.