Matthew 5:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndinoti kwamuri: Kana kururama kwenyu kusiŋgapfuʋuri kwaʋanyori nokwaʋaFarise, hamuŋgatoŋgopindi muʋushe bgokuɗeŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ndinokuudzai zvirokwazvo kuti kana kururama kwenyu kukasapfuura kwavaFarisi nokwavadzidzisi vemirayiro, zvirokwazvo hamungapindi muumambo hwokudenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Nokuti ndinokutaurirai kuti kana ururami hwenyu hukasadarika ururami hwenyanzvi dzomutemo navaFarisei hamumbopinda muumambo hwedenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti ndinoti kwamuri, ‘Kana kururama kwenyu kusingapfuuri kwavanyori nokwavaFarisi, hamungatongopindi muushe hwedenga.’
Shona 2009?
nokuti ndinoti kwamuri: Kana kururama kwenyu kukasapfuvura kwavanyori nokwavaFarisi, hamungatongopindi muushe hwokudenga.
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti ndinoti kwamuri, ‘Kana kururama kwenyu kusingapfuuri kwavanyori nokwaVaFarisi, hamungatongopindi muushe hwedenga.’