Matthew 5:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Makanzwa kuti ɀakanzi kunaʋekare: Usaʋuraya; aninani unoʋuraya ucapara mhoȿa iŋgatoŋgwa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Makanzwa zvakataurwa kune vanhu vekare zvichinzi, ‘Usauraya uye ani naani anouraya achatongwa.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Makanzwa kuti zvakanzi kuna vakare, ‘Usauraye. “ ‘Ani naani anouraya achatongwa.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Makanzwa kuti zvakanzi kunavakare, ‘Usauraya; ani naani anouraya achapara mhosva ingatongwa;’
Shona 2009?
Makanzwa kuti zvakanzi kunevekare, Usavuraya; ani nani unovuraya uchava munjodzi yokutongwa.
Shona SUB 2002 Bible
“Makanzwa kuti zvakanzi kuna vakare, ‘Usauraya; ani naani anouraya achapara mhosva ingatongwa;’