Matthew 5:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi ini ndinoti kwamuri: Unotsamŋira hama yake, ucapara mhoȿa iŋgatoŋgwa; unoti kuhama yake: Raka, ucapara mhoȿa pamakurukota; unoti: Ƃenzi, ucapara mhoȿa kuti atoŋgerwe Gehena romŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ini ndinokuudzai kuti ani naani anotsamwira hama yake achatongwa. Uyezve ani naani anoti, ‘Raka’ kuhama yake achamiswa pamberi pedare ravatongi. Asizve ani naani anoti kuhama yake, ‘Iwe benzi!’ achapara mhosva yokuti atongerwe moto wegehena.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ini ndinoti kwamuri munhu wose anoshatirirwa hama yake achatongwa. Ani naani anoti kuhama yake, ‘Uri munhu pasina.’ Achakwidzwa padare. Ani naani anoti, ‘Uri rema romunhu’ anokodzera gomba romoto.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi ini ndinoti kwamuri, ‘Anotsamwira hama yake achapara mhosva ingatongwa;’ anoti kuhama yake, ‘Raka’ achapara mhosva kumakurukota; anoti, ‘Benzi,’ achapara mhosva kuti atongwerwe Gehena romoto.
Shona 2009?
Asi ini ndinoti kwamuri: Ani nani unotsamwira mumwe wake pasina mhaka, uchapara mhosva ingatongwa; nounoti kuhama yake: Dununu! uchava munjodzi yamakurukota, unoti benzi uchava munjodzi yegehena remoto.
Shona SUB 2002 Bible
asi ini ndinoti kwamuri, ‘Anotsamwira hama yake achapara mhosva ingatongwa;’ anoti kuhama yake, ‘Raka’ achapara mhosva kumakurukota; anoti, ‘Benzi,’ achapara mhosva kuti atongwerwe Gehena romoto.