Matthew 5:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kurumidza kutenderana nomudziʋisi wako, uciri munzira naye; kuti mudziʋisi arege kukukwirira kumutoŋgi, mutoŋgi kumutariri, ukasuŋgwa mutoroŋgo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako uyo ari kukuendesa kudare. Ita izvi uchiri munzira naye, kana kuti angangokuisa kumutongi uye mutongi agokuisa kumutariri, uye ugokandwa mutorongo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Wadzana nomunhu ari kukukwirira dare nokuchimbidza muchiri munzira yokuenda kudare angadaro uyo ari kukukwirira dare akakuisa kumutongi mutongi achizokuisa mumaoko omupurisa, uye uchizoiswa mujeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako, uchiri munzira naye; kuti mudzivisi arege kukukwirira kumutongi, mutongi kumutariri, ukaiswa mujeri.
Shona 2009?
Tenderana nomudzivisi wako nokukurumidza, uchiri munzira naye, kuti mudzivisi arege kukukumikidza kumutongi, mutongi kukukumikidza kumutariri, ukakandirwa mutirongo.
Shona SUB 2002 Bible
“Kurumidza kutenderana nomudzivisi wako, uchiri munzira naye; kuti mudzivisi arege kukukwirira kumutongi, mutongi kumutariri, ukaiswa mujeri.