Matthew 5:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ruʋoko rwako rworudyi rucikugumbusa, urugure, ururashire kure kwauri, nokuti ɀirinani kwauri kuti mutezo wako mumŋe ufe, muʋiri wako wose urege kukandirwa muGehena.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye kana ruoko rwako rworudyi ruchikuita kuti utadze, rucheke ururase. Zviri nani kwauri kuti urasikirwe nomumwe mutezo womuviri wako, pano kuti muviri wako wose uende kugehena.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana ruoko rwako rworudyi ruchikukonzera kutadza rudimbure urwukande kwakadaro. Zviri nani kurasikirwa neimwe yenhengo dzako panze pokuti muviri wako wose uende kugomba remoto.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana ruoko rwako rworudyi ruchikugumbusa, urugure ururasire kure kwauri, nokuti zviri nani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe, muviri wako wose urege kukandirwa muGehena.’
Shona 2009?
Zvino kana ruvoko rwako rworudyi ruchikugumbusa, ugure, ururashire kure newe nokuti zvirinani kwauri kuti mutezo wako umwe ufe, pane kuti muviri wako wose ukandirwe mugehena.
Shona SUB 2002 Bible
Kana ruoko rwako rworudyi ruchikugumbusa, urugure ururasire kure kwauri, nokuti zviri nani kwauri kuti mutezo wako mumwe ufe, muviri wako wose urege kukandirwa muGehena.’