Matthew 5:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ini ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unorasha mukadzi wake, asi nemhoȿa yoʋupombge, unomuitisa ʋupombge; aninani unowana warashwa, unoita ʋupombge.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ndinokuudzai kuti ani naani anoramba mukadzi wake kunze kwemhosva yokusatendeka muwaniso anomuitisa upombwe, uye ani naani anowana mukadzi akarambwa anoita upombwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ini ndinoti, ‘Ani naani anoramba mudzimai wake kunze kokunge chikonzero chacho chiri choupombwe, anomuita kuti aite upombwe. Ani naaniwo anoroora mukadzi akarambwa anoita upombwe.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Mumwe nomumwe unoramba mukadzi wake, kunze kwemhosva youpombwe, anomuitisa upombwe; ani naani aNowana arambwa, anoita upombwe.’
Shona 2009?
Asi ini ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unoramba mukadzi wake, asi \add bedzi\add* nemhosva youpombwe, unomuitisa upombwe, uye aninani unowana wakarambwa unoita upombwe.
Shona SUB 2002 Bible
Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Mumwe nomumwe unoramba mukadzi wake, kunze kwemhosva youpombwe, anomuitisa upombwe; ani naani anowana arambwa, anoita upombwe.’