Matthew 5:33 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Makanzwa ʋo kuti ɀakanzi kunaʋekare: Usapika nhema, asi uripire Ishe pawakapika napo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Makanzwa zvakare zvichitaurwa kuvanhu vekare kare zvichinzi, ‘Usatyora mhiko dzako, asi zadzisa mhiko dzose dzaunenge waita kuna Ishe.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Makanzwawo kuti zvakanzi kuvanhu vakare musapike nhema asi kuti munotofanira kuita zvamakapika kuna Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Makanzwawo kuti zvakanzi kunavakare, ‘Usapika nhema, asi uripire Ishe pawakapika napo.’
Shona 2009?
Uyezve imwi makanzwavo kuti zvakanzi kunavekare, usapika nhema, asi uripire Ishe zvawakapikira.
Shona SUB 2002 Bible
“Makanzwawo kuti zvakanzi kuna vakare, ‘Usapika nhema, asi uripire Ishe pawakapika napo.’