Matthew 5:41 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Aninani unokumanikidza kuenda maira imŋe, uende naye mbiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana munhu akakumanikidza kufamba mutunhu mumwe chete, famba naye miviri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana munhu akakumanikidza kuti umuperekedze kiromita imwechete, muperekedze kwamakiromita maviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ani naani anokumanikidza kuenda maira imwe, uende naye mbiri.
Shona 2009?
Aninani unokumanikidza kuenda newe maira imwe uende naye mbiri.
Shona SUB 2002 Bible
Ani naani anokumanikidza kuenda maira imwe, uende naye mbiri.