Matthew 5:45 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti muʋe ʋanakomana ʋaƋaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga; nokuti ʋanoɓuɗisira ʋakaipa naʋakanaka zuʋa raʋo, nemvura ʋanoinisira ʋakarurama naʋasakarurama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kuitira kuti mugova vana vaBaba venyu vari kudenga. Ivo vanoita kuti zuva ravo ribude pane vakaipa nevakanaka uye vanonayisa mvura yavo pane vakarurama nevasakarurama.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti ivo vanobudisira zuva ravo vakaipa navakanaka; uye vanonaisira mvura yavo vakarurama navasina kururama.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti muve vana vaBaba venyu vari kudenga; nokuti vanobudisira zuva ravo vakanaka nevakaipa vanonisira mvura vakarurama navasakarurama.’
Shona 2009?
Kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kudenga, nokuti vanobudisira zuva ravo kune vakaipa navakanaka, nemvura vanoitumira vakarurama navasakarurama.
Shona SUB 2002 Bible
kuti muve vana vaBaba venyu vari kudenga; nokuti vanobudisira zuva ravo vakanaka nevakaipa vanonisira mvura vakarurama navasakarurama.’