Matthew 6:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Cenjerai, kuti murege kuita kururama kwenyu pamberi paʋanhu, kuti muʋonekwe naʋo; kana maɗaro hamunamuɓairo kunaƂaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Chenjerai kuti murege kuita ‘mabasa enyu okururama’ pamberi pavanhu kuti muonekwe navo. Kana mukaita saizvozvo, hamuzovi nomubayiro kuna Baba venyu vari kudenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ngwarirai kuti murege kuita zvokushamisira pamberi pavanhu kuti vakuonei mukuita kwenyu kwakarurama. Nokuti mukadaro hamuzowana mubayiro unobva kuna Baba venyu vari kudenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Chenjerai, kuti murege kuita kururama kwenyu pamberi pavanhu, kuti muonekwe navo; kana madaro hamuna mubayiro kuna baba venyu vari kudenga.
Shona 2009?
Chenjerai kuti murege kupa varombo pamberi pavanhu, kuti muvonekwe navo; kana madaro hamuna mubairo kuna Baba venyu vari kudenga.
Shona SUB 2002 Bible
“Chenjerai, kuti murege kuita kururama kwenyu pamberi pavanhu, kuti muonekwe navo; kana madaro hamuna mubairo kuna baba venyu vari kudenga.