Matthew 6:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana muciɀinyima ɀokudya, regai kuʋa neciso cinopunyaira, saʋanyeŋgeri; nokuti ʋanoipisa ɀiso ɀaʋo, ʋaʋonekwe naʋanhu kuti ʋanoɀinyima ɀokudya. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ʋapiwa muɓairo waʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Pamunotsanya, musaunyanisa zviso sezvinoita vanyengeri nokuti vanounyanisa zviso zvavo kuti vaonekwe navanhu kuti vari kutsanya. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana motsanya musasuruvarise uso sezvinoita vanyengedzi nokuti vanounyanisa kumeso kuti vaonekwe navanhu kuti vari kutsanya. Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri vatogamuchira mubayiro wavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana muchizvinyima zvokudya, regai kuva nechiso chinopunyaira, savanyengeri; nokuti vanoipisa zviso zvavo, vaonekwe navanhu kuti vanozvinyima zvokudya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Vapiwa mubayiro wavo.’
Shona 2009?
Uyezve kana muchitsanya, musava savanyengeri, regai kuva nechiso chinopunyaira; nokuti vanoipisa zviso zvavo, kuti vavonekwe navanhu kuti vanotsanya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vapiwa mubairo wavo.
Shona SUB 2002 Bible
“Kana muchizvinyima zvokudya, regai kuva nechiso chinopunyaira, savanyengeri; nokuti vanoipisa zviso zvavo, vaonekwe navanhu kuti vanozvinyima zvokudya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Vapiwa mubairo wavo.’