Matthew 6:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti urege kuʋonekwa naʋanhu kuti unoɀinyima ɀokudya, asi naƂaɓa ʋako ʋari pakaʋanda; ɀino Ƃaɓa ʋako ʋanoʋona pakaʋanda, ʋacakupa muɓairo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kuitira kuti zvirege kuonekwa navanhu kuti muri kutsanya, asi zvizivikanwe chete naBaba venyu avo vasingaonekwi. Uye Baba venyu vanoona pakavandika, vachakupai mubayiro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kuti kutsanya kwenyu kurege kuonekwa navanhu; asi kuti kuonekwe naBaba venyu vari muchivande. Ivo Baba venyu vanoona muchivande vachakupai mubayiro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti urege kuonekwa navanhu kuti unozvinyima zvokudya, asi kuonekwa naBaba vako vari pakavanda; zvino baba vako vanoona pakavanda, vachakupa mubayiro.
Shona 2009?
kuti urege kuvonekwa navanhu kuti unotsanya, asi naBaba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanovona pakavanda, vachakupa mubairo pachena.
Shona SUB 2002 Bible
kuti urege kuonekwa navanhu kuti unozvinyima zvokudya, asi kuonekwa naBaba vako vari pakavanda; zvino baba vako vanoona pakavanda, vachakupa mubairo.