Matthew 6:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana ucipa ʋarombo ɀipo, rega kuridza hwamanda pamberi pako, seɀinoita ʋanyeŋgeri mumasinagoge nomunzira dzomumusha, kuti ʋakudzwe naʋanhu. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, ʋapiwa muɓairo waʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Saka kana mopa kuna vanoshaya, musaridza hwamanda sezvinoitwa navanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa kuti vakudzwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Nezvo kana mopa zvipo musaridze hwamanda sezvinoita vanyengedzi mumasinagogu; nomumigwagwa kuti varumbidzwe navanhu. Zvechokwadi chaizvo, ndinoti kwamuri, vakatowana mubayiro wavo kare.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino kana uchipa varombo zvipo, rega kuridza hwamanda pamberi pako, sezvinoita vanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa kuti vakudzwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vapiwa mubayiro wavo.
Shona 2009?
Zvino kana muchipa varombo, rega kuridza hwamanda pamberi pako, sezvinoita vanyengeri mumasinagoge nomunzira dzomumisha, kuti vakudzwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vagamuchira mubairo wavo.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino kana uchipa varombo zvipo, rega kuridza hwamanda pamberi pako, sezvinoita vanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa kuti vakudzwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vapiwa mubairo wavo.