Matthew 6:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hapano munhu uŋgaɓatira ʋatenzi ʋaʋiri; nokuti ucaʋeŋga mumŋe, akaɗa mumŋe; kana ucanamatira mumŋe, akaɀidza mumŋe. hamuŋgaɓatiri Mŋari neFuma.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Hapana angakwanise kushandira vatenzi vaviri. Achavenga mumwe uye agoda mumwe, kana kuti achazvipira kushandira mumwe uye agozvidza mumwe. Haungashandire zvose Mwari neMari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Hapana munhu angashandire vatenzi vaviri, nokuti anogona kuvenga mumwe achida mumwe, kana kuti anoti kwati kwati nomumwe achizvidza mumwe. Haugoni kuva muranda waMwari nomuranda wemari. “Vimba naMwari kuti anokupa zvinokuraramisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Hapana munhu angashandire vatenzi vaviri; nokuti achavenga mumwe, akada mumwe; kana achafarira mumwe, akazvidza mumwe. Hamungashandire Mwari nemari.
Shona 2009?
Hapana munhu ungashumira vatenzi vaviri; nokuti uchavenga mumwe, akada mumwe; kana uchanamatira mumwe, akazvidza mumwe. Hamungabatiri Mwari naMamona*.
Shona SUB 2002 Bible
“Hapana munhu angashandire vatenzi vaviri; nokuti achavenga mumwe, akada mumwe; kana achafarira mumwe, akazvidza mumwe. Hamungashandire Mwari nemari.