Matthew 6:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana Mŋari acifukidza saiɀoɀo ʋuswa bgeɓundo, bguri’po nhasi, bgucikandirwa mucoto maŋgwana, haaŋgakufukidziyi nokupfuʋurisa imi ʋokutenda kuɗuku here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino kana Mwari achishongedza saizvozvo uswa hwesango huripo nhasi uye mangwana huchizokandwa mumoto, haangakushongedzei kupfuura izvi here, imi vokutenda kuduku?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana Mwari achishongedza uswa homusango huripo nhasi uno, mangwana hwokandwa muchoto, haasi anokupfekedzai zvakatonyanya here imi vanhu vochitendero chiduku.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa hwebundo, huripo nhasi, huchikandirwa muchoto mangwana, haangakupfekedze nokupfuurisa imi vokutenda kuduku here?
Shona 2009?
Zvino kana Mwari achifukidza saizvozvo vuswa hwedondo buripo nhasi, huchakandirwa muchoto mangwana, haanga\add kufukidziyi\add* nokupfuurisa imwi vokutenda kuduku here?
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino kana Mwari achifukidza saizvozvo uswa hwebundo, huripo nhasi, huchikandirwa muchoto mangwana, haangakufukidziyi nokupfuurisa imi vokutenda kuduku here?