Matthew 6:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana mucinyeŋgetera, musaʋa saʋanyeŋgeri, nokuti ʋanofarira kunyeŋgetera ʋamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira dzomumusha, kuti ʋaʋonekwe naʋanhu. Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Ʋapiwa muɓairo waʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Uye pamunonyengetera, musava savanyengeri nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira kuti vaonekwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana mava kunamata regai kuita savanyengedzi. Vanoda kumira vachinamata mumasinagogu napamharadzano dzenzira vachiitira kuti vaonekwe navanhu. Chokwadi — chokwadi ndinoti kwamuri vakatowana mubayiro wavo kare.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Kana muchinyengetera, musava savanyengeri, nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzemigwagwa dzomusha, kuti vaonekwe navanhu. Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, vapiwa mubayiro wavo.
Shona 2009?
Zvino kana muchinyengetera, musava savanyengeri: nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira dzomumisha kuti vavonekwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vawana mubairo wavo.
Shona SUB 2002 Bible
“Kana muchinyengetera, musava savanyengeri, nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzemigwagwa dzomusha, kuti vaonekwe navanhu. Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, vapiwa mubairo wavo.