Matthew 7:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana imi makaipa muciziʋa kupa ʋana ʋenyu ɀipo ɀakanaka, Ƃaɓa ʋenyu ʋari kuɗeŋga ʋacapfuʋurisa seiko kupa ɀinhu ɀakanaka iʋo ʋanokumbira kwaari!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino imi, kunyange zvenyu makaipa, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvipo zvakanaka sei kuna avo vanokumbira!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino kana imi vaipi, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, ko kutozoti Baba venyu vari kudenga, vanopa zvipo zvakanaka sei kuna avo vanovakumbira!
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapfuurisa seiko kupa zvinhu zvakanaka ivo vanokumbira kwaari!
Shona 2009?
Zvino kana imwi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapfuvurisa seiko kupa zvinhu zvakanaka ivo vanomukumbira?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapfuurisa seiko kupa zvinhu zvakanaka ivo vanokumbira kwaari!