Matthew 7:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka ɀinhu ɀose ɀamunoɗa kuti ʋanhu ʋakuitirei, muʋaitire nemi ʋo saiɀoɀo, nokuti ndiwo murairo naʋaprofita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka muzvinhu zvose itirai vamwe zvamunoda kuti vakuitirei imi, nokuti uyu ndiwo Murayiro naVaprofita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvose zvamungade kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo nokuti uyu ndiwo mutemo navaporofita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Saka zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemiwo saizvozvo, nokuti ndiwo murayiro navaporofita.
Shona 2009?
Saka pazvinhu zvose zvipi nezvipi zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitirevo ivo saizvozvo nokuti uyu ndiwo murairo navaporofita.
Shona SUB 2002 Bible
“Saka zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemiwo saizvozvo, nokuti ndiwo murairo navaporofita.