Matthew 7:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mvura ikanaya, mvura zhinji ikaʋuya, mitutu ikavuvuta, ikaroʋa imba iyo; ikasawa, nokuti yakaŋga yakateyiwa paruware.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya, asi haina kuputsika, nokuti hwaro hwayo hwaiva paruware.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mvura yanaya, mafashamo akauya; dutu rikavhuvhuta richiroverera pamba iyoyo; asi haina kuwa nokuti yakanga yavakirwa paruware.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mvura ikanaya, mvura zhinji ikauya, madutu akavhuvhuta, zvikarova imba iyo; ikasawa, nokuti yakanga yakavakirwa paruware.
Shona 2009?
Mvura ikaturuka, mafashame akavuya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova paimba, iyo ikasawa; nokuti yakanga yakateyiwa paruware.
Shona SUB 2002 Bible
“Mvura ikanaya, mvura zhinji ikauya, madutu akavhuvhuta, zvikarova imba iyo; ikasawa, nokuti yakanga yakavakirwa paruware.