Matthew 7:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mvura ikanaya, mvura zhinji ikaʋuya, mitutu ikavuvuta, ikaroʋa imba iyo, ikawa, kuwa kwayo kukaʋa kukuru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya uye ikawa nokuwa kukuru.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mvura yakanaya, mafashamo akauya. Dutu rakavhuvhuta rikaroverera paimba iyoyo ikawa, kuwa kwayo kwakava kukuru kwazvo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mvura ikanaya, mvura zhinji ikauya, madutu akavhuvhuta, zvikarova imba iyo, ikawa, kuwa kwayo kukava kukuru.”
Shona 2009?
mvura ikaturuka, mafashame akavuya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova imba iyo, ikawa, kuwa kwayo kukava kukuru.
Shona SUB 2002 Bible
Mvura ikanaya, mvura zhinji ikauya, madutu akavhuvhuta, zvikarova imba iyo, ikawa, kuwa kwayo kukava kukuru.”