Matthew 7:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Musapa imbga ɀinhu ɀitȿene, ʋuye, musakanda maparera enyu pamberi peŋguruʋe, kuti dzirege kuatsika netsoka dzadzo, dzikatendeʋuka dzikakubvamburai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, uye musakanda maparera enyu kunguruve. Kana mukadaro, dzinogona kuatsikatsika pasi petsoka dzadzo, uye ipapo dzikazokutendeukirai dzokubvamburabvamburai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Musape zvinhu zvinoera kuimbwa kana kukanda matombo anokosha amapera pamberi penguruve, dzingadaro dzikaatsika — tsika uye dzodzoka dzokurwisai imi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, uye, musakanda maparera enyu pamberi penguruve, kuti dzirege kuatsika netsoka dzadzo, dzikatendeuka dzikakubvamburai.
Shona 2009?
Musapa zvitsvene kumbwa, kana kukandira maparera* enyu pamberi penguruve, kuti dzirege kumatsika netsoka dzadzo, dzikatendevuka dzikakubvamburai.
Shona SUB 2002 Bible
“Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, uye, musakanda mapera enyu pamberi penguruve, kuti dzirege kuatsika netsoka dzadzo, dzikatendeuka dzikakubvamburai.