Matthew 8:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndinoti kwamuri, ʋazhinji ʋacaʋuya ʋacibva kumabvazuʋa, nokumaʋirira, ʋacagara naAbrahama, naIsaka, naJakobo, muʋushe bgokuɗeŋga,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinoti kwamuri, vazhinji vachabva kumabvazuva nokumadokero uye vachagara panzvimbo dzavo pamutambo pamwe chete naAbhurahama, Isaka naJakobho muumambo hwokudenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinokuudzai kuti vazhinji vachabva kumabvazuva nokumadokero vachizogara pakudya naAbhurahamu naIsaki naJakobho muumambo hwedenga,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndinoti kwamuri, vazhinji vachauya vachibva kumabvazuva, nokumavirira, vachagara naAbhurahamu, naIsaka, naJakobho, muushe hwedenga,
Shona 2009?
Zvino ndinoti kwamuri: Vazhinji vachavuya vachibva kumabvazuva nokumavirira, vachagara naAbhurahamu naIsaka naJakobho, muushe hwokudenga,
Shona SUB 2002 Bible
Ndinoti kwamuri, vazhinji vachauya vachibva kumabvazuva, nokumavirira, vachagara naAbhurahamu, naIsaka, naJakobho, muushe hwedenga,