Matthew 8:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi ʋanakomana ʋoʋushe ʋacaɓuɗiswa kurima rokunze; apo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi vadyi venhaka youshe vachakandwa kunze, kurima uko kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
vana voumambo vachikandwa kurima rokunze. Ikoko vanhu vachachema vachirumanidza mazino.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi vanakomana voushe vachabudiswa kurima rokunze; apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.”
Shona 2009?
asi vanakomana voushe vachakandirwa kurima rokunze; ipo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.
Shona SUB 2002 Bible
asi vanakomana voushe vachabudiswa kurima rokunze; apo pachava nokuchema nokugeda–geda kwameno.”