Matthew 8:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kuti ɀiitike ɀakarebga nomuprofita Isaya, aciti: Iye wakatora ʋutera bgeɗu, akatakura marwere eɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Izvi zvaizadzisa zvakanga zvataurwa kubudikidza nomuprofita Isaya zvichinzi: “Akatakura kurwadziwa kwedu kwose uye akatakura zvirwere zvedu zvose.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaita izvi kuti azadzise zvakataurwa nomuporofita Isaya zvokuti, “Akabvisa zvirwere zvedu akatakura matenda edu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya, achiti, “Iye akatora utera hwedu, akatakura zvirwere zvedu.”
Shona 2009?
kuti zvizadzisike zvakarehwa naIsaya muporofita achiti: Iye wakatora vutera \add hwedu\add*, akatakura vurwere hwedu.
Shona SUB 2002 Bible
Kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita Isaya, achiti, “Iye akatora utera hwedu, akatakura zvirwere zvedu.”