Matthew 8:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarira, munhu unamaperembudzi akaʋuya kwaari, akamunamata, akati: Ishe, kana muciɗa, munogona kundinatsa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe murume aiva namaperembudzi akauya akasvikopfugama paari akati, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hoyo mumwe munhu akanga ana maperembudzi akauya kwaari akasvikopfugama pamberi pake achiti, “Tenzi, kana muchida zvenyu, munokwanisa kundiporesa muchindichenura.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarira, munhu anamaperembudzi akauya kwaari, akamupfugamira, akati, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.”
Shona 2009?
Zvino tarira kwakauya munhu unamaperembudzi, akamugombedzera achiti: Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.
Shona SUB 2002 Bible
Tarira, munhu ana maperembudzi akauya kwaari, akamupfugamira, akati, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.”