Matthew 8:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu ʋakashamiswa, ʋakati: Uyu munhu kunyi, ɀaanotererwa nemitutu neguŋgwa?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varume ava vakashamiswa uye vakabvunza vachiti, “Munhu akaita seiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vakashamiswa vakati, “Munhu uyu, munhu rudzii uyu, anototeererwa kunyange nemhepo negungwa?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu vakashamiswa, vakati, “Uyu munhu kunyi, zvaanotererwa nedutu negungwa?”
Shona 2009?
Vanhu vakashamiswa vachiti: Uyu munhu rudzii anoti kunyange nemitutu negungwa zvinomuteerera?
Shona SUB 2002 Bible
Vanhu vakashamiswa, vakati, “Uyu munhu kunyi, zvaanotererwa nedutu negungwa?”