Matthew 8:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakati aȿika mhiri kunyika yaʋaGadara, ʋanhu ʋaʋiri ʋaiʋa nemŋeya yakaipa ʋakasoŋgana naye, ʋacibva kumarinda; ʋakaŋga ʋanehasha kwaɀo‐kwaɀo, naiɀoɀo kwakaŋga kusinomunhu waigona kupfuʋura nenzira iyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati asvika mhiri kunyika yavaGadhara, akasangana navarume vaviri vakanga vakabatwa namadhimoni. Varume ava vaiva nehasha zvokuti hapana munhu aigona kupfuura naikoko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakasvika kumhiri kuya, kunyika yavaGadhara. Akasangana navarume vaviri vaiva nemweya yakaipa vachibva mumakuva. Vaityisa zvikuru zvokuti hapana munhu aikwanisa kupfuura nenzira iyoyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati asvika mhiri kunyika yavaGadhara, vanhu vaviri vaiva nemweya yakaipa vakasangana naye, vachibva kumakuva; vakanga vane hasha kwazvo kwazvo, naizvozvo kwakanga kusina munhu aigona kupfuura nenzira iyoyo,
Shona 2009?
Wakati asvika mhiri kunyika yavaGerigesi, akasangana navaviri vaiva nemweya yakaipa, vachibuda kumarinda, vane hasha kwazvo-kwazvo zvokuti kwakanga kusina munhu wagona kupfuvura nenzira iyo.
Shona SUB 2002 Bible
Akati asvika mhiri kunyika yavaGadhara, vanhu vaviri vaiva nemweya yakaipa vakasangana naye, vachibva kumakuva; vakanga vane hasha kwazvo kwazvo, naizvozvo kwakanga kusina munhu aigona kupfuura nenzira iyoyo.