Matthew 8:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwairi: Endai. Ikaɓuɗa, ikapinda muŋguruʋe; ɓoka rose rikamhanyira kumawere kuguŋgwa, dzikafira mumvura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati kwaari, “Endai!” Ipapo akabuda akandopinda munguruve, uye boka rose rakamhanya richidzika kumawere amahombekombe rikasvikowira mugungwa dzichibva dzafira mumvura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akati, “Endai.” Saizvozvo yakabuda ikandopinda munguruve dziya. Hero danga rose renguruve rakati ware kumhanya. Rakateremuka napamawere echikomo ichocho ndiye mugungwa rororo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwairi, “Endai.” Ikabuda, ikapinda munguruve; boka rose rikamhanyira kumawere kugungwa, dzikafira mumvura.
Shona 2009?
Zvino akati kwairi: Endai. Zvino yakati yabuda, ikapinda muboka renguruve; zvino tarira boka rose rakamhanyira kwazvo kumateru kugungwa, rikapararira mumvura.
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwairi, “Endai.” Ikabuda, ikapinda munguruve; boka rose rikamhanyira kumawere kugungwa, dzikafira mumvura.