Matthew 8:33 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋaidzifudza ʋakatiza, ʋakaenda kuguta, ʋakataura ɀose, neɀakaitirwa ʋakaŋga ʋanemŋeya yakaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vaya vakanga vachifudza nguruve vakamhanya vakandopinda muguta vakandotaura zvose izvi, kusanganisira nezvakanga zvaitika kuvarume vaya vakanga vane madhimoni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vafudzi vakati ware kutiza. Pavakandopinda muguta vakataura zvose nezvakanga zvaitika kuna vakanga vakagarwa nemweya yakaipa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vaidzifudza vakatiza, vakaenda kuguta, vakataura zvose, nezvakaitirwa vakanga vane mweya yakaipa.
Shona 2009?
Zvino vaidzifudza vakatiza, vakaenda kuguta, vakataura zvose nezvakaitirwa vakanga vane mweya yakaipa.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vaidzifudza vakatiza, vakaenda kuguta, vakataura zvose, nezvakaitirwa vakanga vane mweya yakaipa.