Matthew 8:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti neni ʋo ndiri munhu unorairwa, ndinaʋarwi pasi paŋgu; ndinoti kunomumŋe: Enda! unoenda; kunomumŋe: Ʋuya! unoʋuya; nokumuranda waŋgu: Ita cici! unoita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ini pachangu ndiri munhu anorayirwa, ndine varwi pasi pangu. Ndinoudza uyu kuti, ‘Enda,’ achienda; neuyo ndichimuti, ‘Uya,’ achiuya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita izvi,’ achizviita.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ini ndiri munhu ari pasi pavakuru uye ndina masojawo ari pasi pangu. Ndinoti kuno mumwe, ‘Enda,’ achienda uye kune mumwe, ‘Uya,’ achiuya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita ichi,’ achichiita.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti neniwo ndiri munhu anorayirwa, ndina varwi pasi pangu; ndinoti kunomumwe, ‘Enda!’ anoenda; kunomumwe, ‘Uya!’ anouya; nokumuranda wangu, ‘Ita chichi!’ anochiita.”
Shona 2009?
Nokuti nenivo ndiri pasi pemasimba, ndina varwi pasi pangu; zvino ndinoti kune uyu: Enda, unoenda, nokunomumwe: Vuya, unovuya. nokumuranda wangu: Ita chichi, unoita.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti neniwo ndiri munhu anorairwa, ndina varwi pasi pangu; ndinoti kuno mumwe, ‘Enda!’ Anoenda; kuno mumwe, ‘Uya!’ Anouya; nokumuranda wangu, ‘Ita chichi!’ Anochiita.”