Matthew 9:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati agere pakudya mumba, tarira, ʋateresi ʋazhinji naʋatadzi ʋakaʋuya ʋakagara pakudya naJesu naʋadzidzi ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati agere mumba maMateo vachidya kudya kwamanheru, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakadya naye navadzidzi vake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakanga akagara pakudya mumba, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakagara pasi vachidya naJesu navadzidzi vake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati agere pakudya mumba, tarira, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakagara pakudya naJesu navadzidzi vake.
Shona 2009?
Zvino kwakati Jesu agere pakudya mumba, tarira, vateresi vazhinji navatadzi vakavuya vakagara pakudya naye navadzidzi vake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati agere pakudya mumba, tarira, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakagara pakudya naJesu navadzidzi vake.