Matthew 9:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akati kwaʋari: Shamŋari dzecikomba dziŋgacema seiko cikomba ciciri naʋo? Asi mazuʋa acaȿika, acabviswa cikomba kwaʋari; neŋguʋa iyo ʋacaɀinyima ɀokudya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akapindura achiti, “Zvingaitawo here kuti shamwari dzechikomba dzicheme iye achiinavo? Nguva ichasvika iyo chikomba chichabviswa kwavari, ipapo vachatsanya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akati kwavari, “Vanhu vanenge vakokwa kumuchato vangasuwa here muwani vachinaye? Mazuva achauya pachabviswa muwani pavari. Ndipo pavachatsanya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akati kwavari, “Shamwari dzemuwani dzingachema seiko muwani dzichinaye? Asi mazuva achasvika, achabviswa muwani kwavari; nenguva iyo vachazvinyima zvokudya.
Shona 2009?
Zvino Jesu akati kwavari: Vana veimba yomuchato vangachema seiko chikomba chichiri navo? Asi mazuva achasvika, achabviswa chikomba kwavari, zvino nenguva iyo vachatsanya.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akati kwavari, “Shamwari dzemuwani dzingachema seiko muwani dzichinaye? Asi mazuva achasvika, achabviswa muwani kwavari; nenguva iyo vachazvinyima zvokudya.