Matthew 9:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hakunomunhu unoisa ciremo citȿa paŋguʋo yakasakara; nokuti cakasonerwa cinobvarura ŋguʋo, ʋuri rikanyanya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Hapana munhu anosonera chigamba chitsva panguo tsaru, nokuti chigamba chichabvarura nguo iya, buri racho richizobva ranyanya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hakuna munhu anosonerera chiremo chejira idzva pahanzu tsaru. Chigamba chinotobvarura hanzu tsaru iya. Ichitobva yanyanya kubvaruka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Hakuna munhu anoisa chiremo chitsva panguo yakasakara; nokuti chakasonerwa chinobvarura nguo, buri rikanyanya.
Shona 2009?
Hakuna munhu unoisa chigamba chitsva panguvo sharu, nokuti chigamba chinobvarura nguvo buri rikanyanya.
Shona SUB 2002 Bible
“Hakuna munhu anoisa chiremo chitsva panguo yakasakara; nokuti chakasonerwa chinobvarura nguo, buri rikanyanya.