Matthew 9:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haʋaɗiri ʋo waini itȿa muhomboɗo tsaru, nokuti homboɗo dziŋgaparuka, waini ikateʋuka, nehomboɗo dzikafa ʋo; asi ʋanoɗira waini itȿa muhomboɗo itȿa, ɀiʋiri ɀose ɀiceŋgeteke.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye vanhu havangadiri waini itsva muhombodo tsaru. Kana vakadaro, hombodo dzichaputika, waini ichateuka uye hombodo dzichaparara. Kwete, vanodira waini itsva muhombodo itsva uye zvose zviri zviviri zvinochengetedzeka.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uye waini itsva haiiswi muzvigubhu zvamatehwe zvitsaru. Zvikaitwa saizvozvo, zvigubhu zvinoputika waini ichirasika zvoparara. Aiwa itsva inofanira kuiswa muzvigubhu zvitsva. Saizvozvo zvose zvinobva zvachengeteka.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Havadiriwo waini itsva muhombodo tsaru, nokuti hombodo dzingaparuka, waini ikateuka, nehombodo dzikapararawo; asi vanodira waini itsva muhombodo itsva, zviviri zvose zvichengeteke.”
Shona 2009?
Havadirivo waini itsva muhombodo sharu nokuti hombodo dzingaputika, waini ikatevuka nehombodo dzikapararawo, Asi vanodira waini itsva muhombodo itsva zvichengetwe pamwechete
Shona SUB 2002 Bible
Havadiriwo waini itsva muhombodo tsaru, nokuti hombodo dzingaparuka, waini ikateuka, nehombodo dzikapararawo; asi vanodira waini itsva muhombodo itsva, zviviri zvose zvichengeteke.”