Matthew 9:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakati acaʋaʋudza iɀoɀo, mumŋe muɓati akaȿika’po, akamunamata, akati: Mukunda waŋgu wafa ikoɀino, asi ʋuyai muise ruʋoko rwenyu pamsoro pake, ararame.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati achiri kutaura izvi, mumwe mutongi akauya akasvikomupfugamira uye akati, “Mwanasikana wangu afa izvozvi. Asi uyai muzoisa ruoko rwenyu paari uye achararama.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu paakanga achiri kutaura kwavari mumwe mutungamiri akapinda akapfugama pamberi pake achiti, “Mwanasikana wangu afa iye zvino izvi. Uyai muzoisa ruoko rwenyu paari, achararama.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati achavaudza izvozvo, mumwe mukuru akasvikapo, akamupfugamira, akati, “Mukunda wangu afa ikozvino, asi uyai muise ruoko rwenyu pamusoro pake, ararame.”
Shona 2009?
Wakati achivavudza zvinhu izvozvi, tarira, mumwe mubati akasvika, akamufugamira, achiti: Mukunda wangu uchangofa; asi vuyai muise ruvoko rwenyu pamusoro pake, iye uchararama.
Shona SUB 2002 Bible
Akati achavaudza izvozvo, mumwe mukuru akasvikapo, akamupfugamira, akati, “Mukunda wangu afa ikozvino, asi uyai muise ruoko rwenyu pamusoro pake, ararame.”