Matthew 9:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Jesu wakatendeʋuka, akamuʋona, akati: Mukunda, tsuŋga mŋoyo, kutenda kwako kwakuponesa. Mukadzi akaponeswa kubva paŋguʋa iyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akatendeuka uye akamuona ndokubva ati kwaari, “Tsunga mwoyo mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa.” Mudzimai uyu akabva aporeswa pakarepo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akatendeuka akamuona akati, “Tsunga mwoyo mukunda, chitendero chako chakuponesa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Jesu akatendeuka, akamuona, akati, “Mukunda, tsunga mwoyo, kutenda kwako kwakuponesa.” Mukadzi akaponeswa kubva panguva iyo.
Shona 2009?
Asi Jesu wakatendevuka akati amuvona, akati: Mukunda, tsunga moyo, kutenda kwako kwakuponesa. Zvino mukadzi akaponeswa kubva panguva iyo.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Jesu akatendeuka, akamuona, akati, “Mukunda, tsunga mwoyo, kutenda kwako kwakuponesa.” Mukadzi akaponeswa kubva panguva iyo.