Matthew 9:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kupinda mumba, mapofu akaʋuya kwaari; Jesu akati kwaari: Munotenda kuti ndinogona kuita iɀoɀo here? Akati kwaari: Hoŋo, Ishe!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati apinda mumba, mapofu aya akauya kwaari, uye Jesu akavabvunza achiti, “Munotenda here kuti ndinogona kukuitirai izvi?” Vakapindura vakati, “Hongu, Ishe.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakapinda mumba mapofu aya akauya kwaari. Jesu akati kwaari, “Munotenda kuti ndinokwanisa kuita izvi here?” Vakati kwaari, “Hongu Tenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati apinda mumba, mapofu akauya kwaari; Jesu akati kwaari, “Munotenda kuti ndinogona kuita izvozvo here?” Akati kwaari, “Hongu, Ishe!”
Shona 2009?
Zvino wakati apinda mumba, mapofu akavuya kwaari; Jesu akati kwaari: Munotenda kuti ndinogona kuita izvozvi here? Akati kwaari: Hongu, Ishe.
Shona SUB 2002 Bible
Akati apinda mumba, mapofu akauya kwaari; Jesu akati kwaari, “Munotenda kuti ndinogona kuita izvozvo here?” Akati kwaari, “Hongu, Ishe!”