Matthew 9:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakaɓata meso aʋo, akati: Muitirwe pamakatenda napo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akabata meso avo uye akati, “Maererano nokutenda kwenyu, ngazviitwe kwamuri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akabata maziso avo akati, “Ngazviitwe kwamuri sokutenda kwenyu.” Maziso avo akabva azaruka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akabata meso avo, akati, “Muitirwe sokutenda kwenyu.”
Shona 2009?
Zvino wakabata meso avo achiti: Ngazviitwe kwamuri sokutenda kwenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akabata meso avo, akati, “Muitirwe sokutenda kwenyu.”