Matthew 9:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Meso aʋo akaȿinudzwa. Jesu akaʋaraira ɀikuru, akati: Cenjerai kuti ɀirege kuzikanwa nomunhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye meso avo akabva asvinudzwa. Jesu akavayambira chaizvo achiti, “Musawana wamunoudza pamusoro paizvozvi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akavakohomedza achiti, “Ngwarirai kuti pasave nomunhu anozviziva.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Meso avo akasvinudzwa. Jesu akavaraira zvikuru, akati, “Chenjerai kuti zvirege kuzikanwa nomunhu.”
Shona 2009?
Zvino meso avo akasvinudzwa; Jesu akavarairisa achiti: Vonai kuti zvirege kuzikamwa nomunhu.
Shona SUB 2002 Bible
Meso avo akasvinudzwa. Jesu akavaraira zvikuru, akati, “Chenjerai kuti zvirege kuzikanwa nomunhu.”