Matthew 9:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati ʋaciɓuɗa, tarira, ʋakaʋuya kwaari nomunhu wakaŋga ari mbeʋeʋe waiʋa nomŋeya wakaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vachibuda, mumwe murume akanga ari mbeveve uye akabatwa nedhimoni akauyiswa kuna Jesu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakabva ipapo, pakauiswa munhu aiva mbeveve akagarwa nomweya wakaipa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati vachibuda, tarira, vakauya kwaari nomunhu akanga ari mbeveve aiva nomweya wakaipa.
Shona 2009?
Zvino vakati vachibuda, tarira, vakavuya kwaari nembeveve yaiva nomweya wakaipa.
Shona SUB 2002 Bible
Vakati vachibuda, tarira, vakauya kwaari nomunhu akanga ari mbeveve aiva nomweya wakaipa.