Matthew 9:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kuti muziʋe kuti Mŋanakomana womunhu unesimba panyika rokukaŋganwira ɀiʋi, (akati kumunhu wakaŋga akafa mitezo:) Simuka, tora nhoʋo dzako, uende kumba kwako!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kuti mugoziva kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Ipapo akati kumunhu uya akanga akafa mitezo, “Simuka, tora bonde rako uende kumba.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba panyika rokuregerera zvitadzo” akati kune munhu uya akanga akatonhora mitezo, “Simuka utore bonde rako uende kumusha.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi,” (akati kumunhu akanga akafa mitezo,) “Simuka, tora nhoo dzako, uende kumba kwako!”
Shona 2009?
Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu unesimba panyika rokukangamwira zvivi, (Akati kumunhu wakanga akafa mitezo): Simuka, tora nhovo yako uende kumba kwako.
Shona SUB 2002 Bible
Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi,” (akati kumunhu akanga akafa mitezo,) “Simuka, tora nhoo dzako, uende kumba kwako!”