Micah 1:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Cibva uende, iwe ugere Shafiri, wakashama ucinyara; ugere Zaanani haana‐kuɓuɗa; kuwuŋgudza kweBeti‐ezeri kucakutorera pokumira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pfuurai muende musina kupfeka mukunyara, imi munogara muShafiri. Avo vanogara muZaanani havangabudi kunze. Bheti Ezeri riri mukuchema; kudzivirirwa kwaro kwabviswa kubva kwariri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pfuurai zvenyu nenzira, imi vagari vokuShafiri, musina chamakapfeka muchinyara. Kuva vagari vokuZaanani zvokubuda hapana. Kuungudza kweBhetiezeri, kuchakubvisirai chamunofunga kumira nacho ikoko
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Chibva uende, iwe ugere Shafiri, wakashama uchinyara; agere Zaanani haana kubuda kuungudza paBheti-ezeri kuchakutorera pokumira.
Shona 2009?
Chibva uende, iwe ugere Shafiri, wakashama uchinyara; agere Zaanani haana kubuda kuungudza paBheti-ezeri kuchakutorera pokumira.
Shona SUB 2002 Bible
Chibva uende, iwe ugere Shafiri, wakashama uchinyara; agere Zaanani haana kubuda kuungudza paBheti–ezeri kuchakutorera pokumira.