Micah 1:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iwe ugere Rakishi, suŋga mabiza paŋgoro; ndiro rakataŋga kuisa mukunda weZioni paɀiʋi, nokuti kuɗarika kwaIsraeri kwakawanikwa mauri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Imi vanogara muRakishi, sungai mabhiza enyu pangoro. Ndimi makava mavambo echivi kuMwanasikana weZioni, Nokuti kudarika kwaIsraeri kwakawanikwa mamuri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Imi vagari vokuRakishi bopai mikono yamabhiza pangoro dzehondo. Ndimi vakava vokutanga kupara chitadzo cheguta reJerusaremu nokuti makaitawo zvitadzo zvevokwaIsiraeri muguta reRakishi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iwe ugere Rakishi, sunga mabhiza pangoro; ndiro rakatanga kuisa mukunda weZioni pazvivi, nokuti kudarika kwaIsiraeri kwakawanikwa mauri.
Shona 2009?
Iwe ugere Rakishi, sunga mabhiza pangoro; ndiro rakatanga kuisa mukunda weZiyoni pazvivi, nokuti kudarika kwalsiraeri kwakawanikwa mauri.
Shona SUB 2002 Bible
Iwe ugere Rakishi, sunga mabhiza pangoro; ndiro rakatanga kuisa mukunda weZioni pazvivi, nokuti kudarika kwaIsiraeri kwakawanikwa mauri.