Micah 1:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mifananidzo yaro yose yakaʋezwa icaputswa‐putswa, miɓairo yaro yose icapiswa nomŋoto, ʋuye ndicaparadza ɀifananidzo ɀaro ɀose; nokuti rakaɀiʋuŋganidza iɀo uri muɓairo wecifeʋe, naiɀoɀo ɀicadzokera ɀe kumuɓairo wecifeʋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvose zvifananidzo zvaro zvichaputswa kuita zvimedu; zvose zvipo zvaro zvomutemberi zvichapiswa nomoto; ndichaparadza zvifananidzo zvaro zvose. Sezvo akaunganidza zvipo zvake kubva pamibayiro yezvifeve, semibayiro yezvifeve zvichazoshandiswa zvakare.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvose zvifananidzo zvaro zvokunamata zvichapwanywa-pwanywa. Zvose zvarakawana nounzenza ihwohwo zvichapiswa nomoto uye zvifananidzo zvaro zvokunamata zvichaparadzwa, nokuti rakazviwana noufeve saka zvichadzorerwawo kune veunzenza ivavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mifananidzo yaro yose yakavezwa ichaputswa-putswa, mibairo yaro yose ichapiswa nomoto, uye ndichaparadza zvifananidzo zvaro zvose; nokuti rakazviunganidza izvo uri mubayiro wechifeve, naizvozvi zvichadzokerazve kumubayiro wechifeve.
Shona 2009?
Mifananidzo yaro yose yakavezwa ichaputswa-putswa, mibairo yaro yose ichapiswa nomoto, uye ndichaparadza zvifananidzo zvaro zvose; nokuti rakazviunganidza izvo uri mubayiro wechifeve, naizvozvi zvichadzokerazve kumubayiro wechifeve.
Shona SUB 2002 Bible
Mifananidzo yaro yose yakavezwa ichaputswa–putswa, mibairo yaro yose ichapiswa nomoto, uye ndichaparadza zvifananidzo zvaro zvose; nokuti rakazviunganidza izvo uri mubairo wechifeve, naizvozvi zvichadzokerazve kumubairo wechifeve.