Micah 2:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanenhamo ʋanofuŋga ɀakaipa ʋaciita ɀisakarurama panhoʋo dzaʋo! Ʋanoɀiita maŋgwanani kana kwoedza, nokuti simba rokuɀiita riri mumaʋoko aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vane nhamo avo vanoronga zvakaipa, avo vanoronga zvakaipa pamibhedha yavo! Pakuedza kwamangwanani vanozviita nokuti zviri musimba ravo kuzviita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvichavawana, avo vanorangarira kuita zvakaipa vachironga kuita zvouipi vari pamibhedha yavo! Kukangochena chete vobva vatozviita nokuti simba rokuzviita vanaro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Vane nhamo vanofunga zvakaipa vachiita zvisakarurama panhovo dzavo! Vanozviita mangwanani kana kwoedza, nokuti simba rokuzviita riri mumaoko avo.
Shona 2009?
Vane nhamo vanofunga zvakaipa vachiita zvisakarurama panhovo dzavo! Vanozviita mangwanani kana koedza, nokuti simba rokuzviita riri mumaoko avo.
Shona SUB 2002 Bible
“Vane nhamo vanofunga zvakaipa vachiita zvisakarurama panhovo dzavo! Vanozviita mangwanani kana kwoedza, nokuti simba rokuzviita riri mumaoko avo.