Micah 2:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀirokwaɀo ndicakuʋuŋganidzai imi mose, imi Jakobo; ɀirokwaɀo ndicaʋuŋganidza ʋakasara ʋaIsraeri; ndicaʋaisa pamŋe cete samakwai mucirugu, seɓoka ramakwai pakati pamafuro awo; ʋacaita ruzha rukuru no kuwanda kwaʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvirokwazvo ndichakuunganidzai imi mose, iwe Jakobho; zvirokwazvo ndichaunganidza pamwe chete vakasara vaIsraeri. Ndichavaunganidza pamwe chete samakwai muchirugu, seboka pamafuro aro; nzvimbo yacho ichazara navanhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Imi vokwaJakobho ndichanyatsokukokorodzai mose zvenyu, ndichinyatsounganidza chitsama chakasara chevokwaIsiraeri. Ndichavaisa pamwechete sedanga rehwai, sedanga rezvipfuwo zviri mumafuro azvo, vari mhomho chaiyo yavanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvirokwazvo ndichakuunganidzai imi mose, imi Jakobho; zvirokwazvo ndichaunganidza vakasara vaIsiraeri; ndichavaisa pamwechete samakwai muchirugu, seboka ramakwai pakati pamafuro awo; vachaita ruzha rukuru nokuwanda kwavanhu.
Shona 2009?
"Zvirokwazvo ndichakuunganidzai imwi mose, imwi Jakobho; zvirokwazvo ndichaunganidza vakasara vaIsiraeri; ndichavaisa pamwechete samakwai muchirugu, seboka ramakwai pakati pamafuro awo; vachaita ruzha rukuru nokuwanda kwavanhu.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvirokwazvo ndichakuunganidzai imi mose, imi Jakobho; zvirokwazvo ndichaunganidza vakasara VaIsiraeri; ndichavaisa pamwechete samakwai muchirugu, seboka ramakwai pakati pamafuro awo; vachaita ruzha rukuru nokuwanda kwavanhu.