Micah 2:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mupasanuri wakaʋatuŋgamirira; ʋakapasanura, ʋakapfuʋurira kusuʋo, ʋakaɓuɗa na’po; mambo waʋo wakaʋatuŋgamirira, Jehova ari pamberi paʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uyo achaparura nzira achaenda pamberi pavo; vachapwanya napasuo vagobuda panze. Mambo wavo achapfuura ari pamberi pavo, Iye Jehovha achivatungamirira.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye achavavhurira nzira, ndiye achavatungamirira vachityora napasuo guru vobuda napo. Mambo wavo, Tenzi ndiye achavatungamirira ari mberi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mupasanuri wakavatungamirira; vakapasanura, vakapfuurira kusuo, vakabuda napo; mambo wavo wakavatungamirira, Jehovha ari pamberi pavo.”
Shona 2009?
Mupasanuri wakavatungamirira; vakapasanura, vakapfuurira kusuo, vakabuda napo; mambo wavo wakavatungamirira, Jehovha ari pamberi pavo."
Shona SUB 2002 Bible
Mupatsanuri wakavatungamirira; vakapatsanura, vakapfuurira kusuwo, vakabuda napo; mambo wavo wakavatungamirira, Jehovha ari pamberi pavo.”